1Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?2Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga.3nekuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva unotuka nokuzvidza Jehovha.4Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti haangabvunzi. Mwari haamo mundangariro dzake dzose.5Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imwi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.6Anoti mumoyo make, Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.7Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.8Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira.9Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake.10Anonyangira, anokambaira pasi, varombo vanowiswa nevanesimba vake.11Anoti mumoyo make, Mwari akangamwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.12Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukangamwa varombo.13Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, Hangabvunzi?14Mazviona henyu; nekuti munoona zvakaipa nokutambudzika muchizviisa muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera.15Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.16Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.17Jehovha, makanzwa zvinodikamwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu;18Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.