Shona

Psalms

11

1Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, Tizira kugomo rako seshiri?2Nokuti, tarira, vakaipa vanobwembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomoyo wakarurama parima.3Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?4Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake choushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu.5Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza.6Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.7Nekuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake.