1Batsirai, Jehovha, nekuti vanoda Mwari vopera; nekuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.2Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri.3Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;4Ivo vakati, Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?5Nokuda kokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.6Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe.7Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.8Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.