1Jehovha muchandikangamwa nokusingaperi kusvikira rinhi? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko?2Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi, Ndine shungu pamoyo pangu zuva nezuva? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi?3Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa;4Muvengi wangu arege kuti, Ndamukunda; Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka.5Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; moyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu;6Ndichaimbira Jehovha, nekuti akandiitira zvakanaka.