Shona

Psalms

100

1Pururudzai Jehovha, imwi nyika dzose.2Shumirai Jehovha nomufaro; Uyai pamberi pake muchiimba.3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.4Pindai pamasuwo ake muchivonga, Napavazhe dzake muchirumbidza; Chimuvongai, murumbidze zita rake.5nekuti Jehovha akanaka; tsitsi dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.