1Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.2Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.3Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.4Simba ramambo rinodawo kururamisa; imwi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakove.5Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.6Mozisi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.7Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.8Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakangamwira, Kunyange makatsiva zvavaiita.9Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; nekuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.