1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; nekuti akaita zvinhu zvinoshamisa; Chanza chake chorudyi, noruoko rwake rutsvene, zvakamukundisa.2Jehovha akazivisa kuponesa kwake; Akaratidza pachena kururama kwake pamberi pavahedheni.3Akarangarira tsitsi dzake nokutendeka kwake kuimba yaIsiraeri; Migumo yose yapasi yakaona kuponesa kwaMwari wedu.4Pururudzirai Jehovha, pasi pose; Danidzirai, muimbe nomufaro, imbai nziyo dzokurumbidza.5Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza nembira; Nembira, uye nenzwi rokuimba.6Nehwamanda, nenzwi romumhanzi Pururudzai pamberi paMambo, Jehovha.7Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mukati maro; Nenyika, navanogaramo.8Nzizi ngadziuchire; Namakomo ngaaimbe pamwechete nomufaro;9Pamberi paJehovha, nekuti anouya kuzotonga pasi, Achatonga nyika zvakarurama, Navanhu nokururama.