1Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;2nekuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema.3Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva.4Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu.5Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu.6Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.7Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.8Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake.9Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.10Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.11Waakadyira chikwereti ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.12Ngakushaikwe munhu anomunzwira tsitsi; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake.13Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.14Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.15Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.16Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira tsitsi, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye.17Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.18Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumafupa ake.19Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.20Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa.21Asi imwi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; tsitsi dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.22nekuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.23Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu.24Mabvi angu haachine simba nokutsanya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.25Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.26Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei netsitsi dzenyu.27Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita.28Ngavatuke havo, asi imwi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo.29Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.30Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.31nekuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake.