Shona

Psalms

110

1Jehovha akati kuna She wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.2Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZiyoni, achiti, Bata ushe pakati pavavengi vako.3Vanhu vako vachazviisa nomoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako, Nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani, Ndipo pane dova rohujaya hwako.4Jehovha akapika, haangazvidembi, achiti, Iwe uri mupristi nokusingaperi. Unorudzi naMerikizedheki.5Ishe parudyi rwako Achaparadza madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.6Iye achatonga pakati pavahedheni, Achazadza nyika nezvitunha; Achaparadza misoro panyika zhinji.7Achamwa parukova panzira; Saka achasimudza musoro wake.