1Hareruya! Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose, Parangano yavakarurama, napaungano.2Mabasa aJehovha makuru, Anocherechedzwa navose vanowafarira.3Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.4Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro; Jehovha anenyasha netsitsi.5Akapa zvokudya vanomutya; Acharangarira sungano yake nokusingaperi.6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, Zvaakavapa nhaka yavahedheni.7Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba.8Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama.9Akatumira vanhu vake rudzikunuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa.10Kutya Jehovha ndiko kutanga kouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.