1Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.2Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.3fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.4Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.5Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwereti, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.6nekuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.7Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.8moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.9Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.10Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kowakaipa kuchaparara.