1Hareruya! Rumbidzai, imwi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha.2Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.4Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kokudenga-denga.5Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro,6Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi?7Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru;8Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake.9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya