Shona

Psalms

118

1Vongai Jehovha; nekuti wakanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.2Isiraeri zvino ngavati, tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.3Imba yaAroni zvino ngaiti: Tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.4Avo vanotya Jehovha zvino ngavati: Tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.5Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.6Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?7Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.8Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu.9Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.10Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha.11Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha.12Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto wemhinzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha.13Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.14Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu.15inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.16Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.17Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha.18Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa.19Ndizarurirei masuwo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha.20iri ndiro suwo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro.21Ndichakuvongai, nekuti makandipindura, Mukava muponesi wangu.22Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona.23Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona.24Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.25Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.26Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha.27Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene.28imwi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.29Vongai Jehovha; nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.