Shona

Psalms

119

1Vakaropafadzwa avo vane nzira yakarurama, Vanofamba mumurau waJehovha.2Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuriro zvake, Vanomutsvaka nomoyo wose.3Zvirokwazvo, havaiti chinhu chisina kururama, Vanofamba munzira dzake.4Makatiraira zviga zvenyu, Kuti tizvichengete zvakanaka.5Haiwa, dai nzira dzangu dzakagadzirirwa Kuchengeta mitemo yenyu.6Ipapo handinganyadziswi, Kana ndichirangarira mirairo yenyu yose.7Ndichakuvongai nomoyo wakarurama, Kana ndichidzidza zvamakatonga zvakarurama.8Ndichachengeta mitemo yenyu; Haiwa, regai kundirasha chose.9Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko? Kana richichenjerera sezvinoraira shoko renyu.10Ndakakutsvakai nomoyo wangu wose; Musanditendera kutsauka pamirairo yenyu.11Shoko renyu ndakariviga mumoyo wangu, Kuti ndirege kukutadzirai.12imwi munofanira kukudzwa, Jehovha; Ndidzidzisei mitemo yenyu.13Ndakadudzira nemiromo yangu Zvose zvamakatonga nomuromo wenyu.14Ndakafara kwazvo munzira yezvipupuriro zvenyu, Sezvandinofarira fuma yose.15Ndichafungisisa zviga zvenyu, Nokurangarira nzira dzenyu.16Ndichazvifadza nemitemo yenyu; Handingakangamwi shoko renyu.17Itirai muranda wenyu zvakanaka, kuti ndirarame; Ipapo ndichachengeta shoko renyu.18Ndisvinudzei meso angu, kuti ndione Zvinhu zvinoshamisa zviri pamurau wenyu.19nekuti ndiri mutorwa panyika; Regai kundivanzira mirairo yenyu.20Mweya wangu wapera nokushuva Panguva dzose zvamakatonga.21Makaraira vanozvikudza, Ngavatukwe vanotsauka pamirairo yenyu.22Bvisai kwandiri kushorwa nokuzvidzwa; nekuti ndakachengeta zvipupuriro zvenyu.23Machindawo akagara akandireva; Asi muranda wenyu akafungisisa mitemo yenyu.24Zvipupuriro zvenyuwo zvinondifadza kwazvo, Ndizvo zvinondipa mano.25Mweya wangu unonamatira guruva; Ndiponesei neshoko renyu.26Ndakadudzira nzira dzangu, imwi makandipindura; Ndidzidzisei mitemo yenyu.27Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yezviga zvenyu; Ipapo ndichafungisisa mabasa enyu anoshamisa.28Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa; Ndisimbisei sezvinorehwa neshoko renyu.29Bvisai kwandiri nzira yenhema; Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu.30Ndakasanangura nzira yakatendeka; Ndakaisa zvamakatonga pamberi pangu.31Ndinonamatira zvipupuriro zvenyu; Jehovha, regai kundinyadzisa.32Ndichamhanya nenzira yemirairo yenyu, Kana munenge makurisa moyo wangu.33Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; Ndigoichengeta kusvikira pakuguma.34Ndipei njere, ndichengete murau wenyu; Zvirokwazvo, ndichauchengeta nomoyo wangu wose.35Ndifambisei munzira yemirairo yenyu; nekuti ndinoifarira kwazvo.36Kweverai moyo wangu kuzvipupuriro zvenyu, Urege kukweverwa mukuchiva.37Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo, Mundiponese panzira dzenyu.38Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu, Rakakwanira vanokutyai.39Bvisai kushoorwa kwangu kwandinotya, nekuti zvamakatonga zvakanaka.40Tarirai, ndakashuva zviga zvenyu; Ndiponesei mukururama kwenyu.41Tsitsi dzenyu ngadziuyewo kwandiri, Jehovha, Iko kuponesa kwenyu, sezvinoreva shoko renyu.42Naizvozvo ndichagona kupindura anondishora; nekuti ndinovimba neshoko renyu.43Regai kubvisa shoko rezvokwadi chose pamuromo wangu; nekuti ndakatarira zvamakatonga.44Naizvozvo ndichasichengeta murau wenyu Nokusingaperi-peri.45Ndichasifamba ndakasununguka, nekuti ndakatsvaka zviga zvenyu.46Ndichataurawo zvipupuriro zvenyu pamberi pamadzimambo, Ndisinganyadziswi.47Ndichazvifadza kwazvo nemirairo yenyu, Yandinoda.48Ndichasimudzirawo maoko angu kumirairo yenyu, yandinoda; Ndichafungisisa mitemo yenyu.49Rangarirai shoko renyu kumuranda wenyu, nekuti makandimutsira tariro.50Ndizvo zvinondinyaradza pakutambudzika kwangu; nekuti shoko renyu rakandiponesa.51Vanozvikudza vakandiseka kwazvo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pamurau wenyu.52Ndakarangarira zvamakatonga kare-kare, Jehovha, Ndikazvinyaradza.53Kutsamwa kukuru kwakandibata, Nokuda kwavakaipa vanorasha murau wenyu.54Mitemo yenyu yaiva nziyo dzangu Mumba muutorwa hwangu.55Ndakarangarira zita renyu, Jehovha, usiku, Ndikachengeta murau wenyu.56Ndizvo zvandakanga ndinazvo, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.57Jehovha ndiye mugove wangu; Ndakati, ndichachengeta mashoko enyu.58Ndakakumbira chiso chenyu nomoyo wangu wose; Ndinzwirei nyasha, sezvinoreva shoko renyu.59Ndakafunga nzira dzangu, Ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu.60Ndakakurumidza, handina kunonoka Kuchengeta mirairo yenyu.61Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukanganwa murau Venyu. Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukangamwa murau Venyu.62Ndichamuka pakati pousiku kuti ndikuvongei Pamusoro pezvamakatonga zvakarurama.63Ndiri shamwari yavose vanokutyai, Neyavanochengeta zviga zvenyu.64Jehovha, pasi pazere netsitsi dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.65Makaitira muranda wenyu zvakanaka, Jehovha, sezvinoreva shoko renyu.66Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; nekuti ndakatenda mirairo yenyu.67Ndakati ndichigere kutambudzika ndikarashika; Asi zvino ndinochengeta shoko renyu.68imwi makanaka, uye munoita zvakanaka; Ndidzidzisei mitemo yenyu.69Vanozvikudza vakandipomera nhema; Ndichachengeta zviga zvenyu nomoyo wangu wose.70moyo wavo wakakora samafuta; Asi ini ndinofarira murau wenyu kwazvo.71Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike; Kuti ndidzidze mitemo yenyu.72Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri Kukunda zviuru zvamazana zvendarama nesirivha.73Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu.74Vanokutyai vachandiona ndokufara; nekuti ndakatarira shoko renyu.75Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka.76Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu.77Unyoro bwenyu ngabwuuye kwandiri, kuti ndirarame; nekuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.78Vanozvikudza ngavanyadziswe; nekuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zviga zvenyu.79Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu.80moyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa.81Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu.82Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, Muchandinyaradza rinhiko?83nekuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikangamwi mitemo yenyu.84Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga rinhiko vanonditambudza?85Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingateereri murau wenyu.86Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi.87Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zviga zvenyu.88Ndiponesei nokuda kounyoro bwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu.89Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha.90Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; imwi makasimbisa pasi, panoramba pagere.91Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; nekuti zvinhu zvose varanda venyu.92Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu.93Handingatongokangamwi zviga zvenyu; nekuti makandiponesa nazvo.94Ndiri wenyu, ndiponesei; nekuti ndakatsvaka zviga zvenyu.95Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu.96Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo.97Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.98Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; nekuti inogara neni nokusingaperi.99Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; nekuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.100Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, nekuti ndakachengeta zviga zvenyu.101Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu.102Handina kutsauka pane zvamatonga; nekuti makandidzidzisa.103Mashoko enyu anonaka seiko mumukamwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu!104Pazviga zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.105Shoko renyu mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu.106Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama.107Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu.108Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga.109Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikangamwi murau wenyu.110Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazviga zvenyu.111Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; nekuti ndizvo zvinofadza moyo wangu.112Ndakarerekera moyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma.113Ndinovenga vane moyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu.114imwi muri chivando changu nenhovo yangu; Ndinotarira shoko renyu.115Ibvai kwandiri, imwi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu.116Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu.117Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu.118Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; nekuti kunyengera kwavo inhema.119Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu.120Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga.121Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu.122Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka, Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza.123Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama.124Itirai muranda wenyu nounyoro bwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu.125Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu.126Inguva yaJehovha yokubata nayo; nekuti vakaputsa murau wenyu.127Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka.128Saka ndinoti, zviga zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.129Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; Saka mweya wangu unozvichengeta.130Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; Kunopa njere vasina mano.131Ndakashamisa muromo wangu kwazvo, ndikatakwaira; nekuti ndakashuva mirairo yenyu.132Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Sezvamunoitira vanoda zita renyu.133Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; Zvakaipa ngazvirege kutongova nesimba pamusoro pangu.134Ndidzikunurei pakumanikidza komunhu; Naizvozvo ndichachengeta zviga zvenyu.135Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu.136Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu, nekuti havachengeti murau wenyu.137imwi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo.138Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru.139Kushingaira kwangu kwakandipedza, nekuti vadzivisi vangu vakakangwamwa mashoko enyu.140Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida.141Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikangamwi zviga zvenyu.142Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi.143Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.144Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama.145Ndakadana nomoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu.146Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu.147Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu.148Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu.149Inzwai inzwi rangu nokuda kounyoro bwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga.150Vanotevera zvakaipa voswedera pedo; Vari kure nomurau wenyu.151imwi muri pedo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi.152Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi.153Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; nekuti handikangamwi murau wenyu.154Ndireverei mhosva yangu, mundidzikunure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu.155Kuponeswa kuri kure navakaipa; nekuti havatsvaki mitemo yenyu.156Tsitsi dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga.157Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu.158Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; nekuti havana kuchengeta shoko renyu.159Fungai kuti ndinoda zviga zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kounyoro bwenyu.160Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi.161Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi moyo wangu unotya shoko renyu.162Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa.163Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda.164Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga.165Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa.166Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu.167Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo.168Ndakachengeta zviga zvenyu nezvipupuriro zvenyu; nekuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu.169Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu.170Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu.171Miromo yangu ngairumbidze; nekuti munondidzidzisa mitemo yenyu.172Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; nekuti mirairo yenyu yose yakarurama.173Ruoko rwenyu ngarundibatsire; nekuti ndakasanangura zviga zvenyu.174Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.175Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire.176Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; nekuti handikangamwi mirairo yenyu.