1Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Iye akandipindura.2Rwirai mweya wangu, Jehovha, pamiromo inoreva nhema, Naparurimi runonyengedzera.3Iwe uchapiweiko, chinyi chichawedzerwa kwauri, Iwe rurimi runonyengedzera?4Miseve inopinza yeanesimba, Namazimbe anopfuta omurara.5Ndine ropa rakaipa zvandiri mutorwa paMesheki, Zvandigere pamatende eKedhari!6Mweya wangu wakagara nguva refu Neanovenga rugare.7Ini ndinoda rugare; Asi kana ndichitaura, ivo vanotsvaka kurwa.