1Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?2Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.4Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.5Jehovha muchengeti wako; Jehovha mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.6Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.7Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.8Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.