1Ndakafara panguva yavakati kwandiri, Hendei kumba kwaJehovha.2Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuwo ako, Jerusaremu;3Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.5nekuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.6kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.7Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.8Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, Rugare ngaruve mukati mako.9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.