Shona

Psalms

123

1Ndinosimudzira meso angu kwamuri, Iyemi, munogara kudenga.2Tarirai, meso avaranda sezvaanotarira ruoko rwatenzi wavo, Uye meso omurandakadzi sezvaanotarira ruoko rwatenzikadzi wake; Saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, Kusvikira atinzwira nyasha.3Tinzwirei nyasha, Jehovha, tinzwirei nyasha; nekuti tapera kwazvo nokuzvidzwa.4Mweya wedu wapera chose Nokushora kwavanogara havo zvakanaka, Uye noruzvidzo rwavanozvikudza.