Shona

Psalms

125

1Vanovimba naJehovha Vakafanana negomo reZiyoni, risingazununguswi, asi rimire nokusingaperi.2Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo, Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.3nekuti tsvimbo youshe yezvakaipa haingagari panhaka yavakarurama; Kuti vakarurama varege kutambanudzira maoko avo kune zvakaipa.4Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, Navane moyo yakarurama.5Asi kana vari vanhu vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwechete navaiti vezvakaipa. Isiraeri ngaave norugare!