Shona

Psalms

126

1Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZiyoni, Isu takanga takafanana navanorota hope.2Panguva iyo muromo wedu wakange uzere nokuseka, Norurimi rwedu nokuimba; Ipapo pakati pavahedheni vakati, Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;3Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; Isu tinofara.4Dzosai vatapwa vedu, Jehovha, sehove panyika yeNyasi.5Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro.6Anofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.