1Kana Jehovha asingavaki imba, Vavaki vayo vanobata pasina; Kana Jehovha asingachengeti guta, Murindi anorindira pasina.2Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; nekuti anopa vadikamwi vake izvozvo vavete.3Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; Chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.4Semiseve muruoko rwemhare, Ndizvo zvakaita vana voujaya.5Unomufaro iye murume anegoba rizere navo; Havanganyadziswi, Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuwo.