Shona

Psalms

128

1Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, Vanofamba munzira dzake.2nekuti iwe uchadya zvawakabatira namaoko ako; Uchava nomufaro, uye zvichava zvakanaka newe.3Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.4Tarirai, murume anotya Jehovha Acharopafadzwa saizvozvo.5Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; Uchaona kukomborerwa kweJerusaremu mazuva ose oupenyu hwako.6Zvirokwazvo, uchaona vana vavana vako. Isiraeri ngaave norugare.