Shona

Psalms

129

1Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu, Isiraeri ngaadaro zvino;2Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; Kunyange zvakadaro havana kundikunda.3Varimi vakarima pamusana wangu; Vakaita mihoronga yavo mirefu.4Jehovha akarurama; Akaguranya mabote avakaipa.5Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, Ivo vose vanovenga Ziyoni.6Ngavave souswa pamatenga eimba, Hunooma husati hwakura;7Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo, Uye anosunga zvisote, fungatwa rake.8Navanopfuura havangati, Jehovha ngaakuropafadzei; Tinokuropafadzai nezita raJehovha.