1Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika.2Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu.3Dai imwi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe?4Asi kukangamwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei.5Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake.6Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani.7imwi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune tsitsi, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru.8Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.