Shona

Psalms

131

1Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru, Kana nezvinhu zvinondikurira.2Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu nokuunyaradza; Somwana wakarumurwa ari pana mai vake, Mweya wangu wakaita kwandiri somwana akarumurwa.3imwi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.