Shona

Psalms

132

1Jehovha, rangarirai Dhavhidhi Nedambudziko rake rose;2Namapikiro ake kuna Jehovha, Nokupika kuna Wamasimba waJakove, achiti,3Zvirokwazvo handingapindi mutende reimba yangu, Kana kukwira pamubhedha wandakawadzirwa;4Handingatenderi meso angu kuvata, Kana mafungiro angu kukotsira;5Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo, Netabhenakeri dzaWamasimba waJakove.6Tarirai, takazvinzwa muEfurata; Takazviwana pasango reJaari.7Tichapinda mutabhenakeri dzake; Tichanamata pachitsiko chetsoka dzake.8Simukai Jehovha, mupinde pamungazorora; Imi, neareka yesimba renyu.9Vapiristi venyu ngavafukidzwe nokururama; Uye vatsvene venyu ngavapururudze nomufaro .10Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu Regai kuramba chiso chomuzodziwa wenyu.11Jehovha akapika kuna Dhavhidhi; Haangashanduki pazviri, achiti, Zvibereko zvomuviri wako ndizvo zvandichaisa pachigaro chako choushe.12Kana vana vako vachichengeta sungano yangu Nezvipupuriro zvangu zvandichavadzidzisa, Navana vavowo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi.13nekuti Jehovha wakasanangura Ziyoni; Akarida kuti huve ugaro hwake.14Pano ndipo pandinozorora nokusingaperi; Ndichagara pano; nekuti ndakapada.15Ndicharopafadza zvokudya zvaro kwazvo; Ndichagutisa varombo varo nezvokudya.16Vapristi varo ndichavafukidzawo noruponeso; Vatsvene varo vachapururudza nomufaro.17Ipapo ndichameresera Dhavhidhi runyanga; Ndakagadzirira muzodzwa wangu mwenje.18Vavengi vake ndichavafukidza nokunyadziswa; Asi korona yake ichapenya pamusoro pake.