Shona

Psalms

135

1Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imwi varanda vaJehovha;2imwi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.3Rumbidzai Jehovha; nekuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nekuti ndizvo zvinofadza.4nekuti Jehovha akazvisanangurira Jakove, NaIsiraeri kuti ave fuma yake chaiyo.5nekuti ndinoziva kuti Jehovha . mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.6Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose.7Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa fuma yake.8Ndiye akaparadza matangwe Avanhu neezvipfuwo.9Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Egipita, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose.10Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba.11Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose bweKanani;12Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.13Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi.14nekuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.15Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu.16Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni;17Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo.18Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.19imwi veimba yalsiraeri, rumbidzai Jehovha; imwi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;20imwi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imwi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.21Jehovha ngaarumbidzwe paZiyoni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya!