Shona

Psalms

136

1Vongai Jehovha, nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.2Vongai Mwari wavamwari; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.3Vongai Ishe wamadzishe; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.4Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.5Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.6Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.7Iye akaita zviedza zvikuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.8Zuva, kuti ribate ushe masikati; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.9Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.10Iye, akarova veEgipita pamatangwe avo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.11Akabudisa Isiraeri pakati pavo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.12Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.13Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.14Akayambusa Isiraeri nomukati maro; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.15Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.16Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.17Iye, akaparadza madzimambo makuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.18Akauraya madzimambo akakurumbira; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.19Sihoni mambo wavaAmori; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.20NaOgi mambo weBhashani; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.21Akapa nyika yavo ive nhaka; tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.22Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.23Iye, akatirangarira paurombo bwedu; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi;24Akatirwira pavadzivisi vedu; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.25Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.26Vongai Mwari wokudenga; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.