Shona

Psalms

137

1Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Ziyoni.2Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu.3nekuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, Tiimbireiwo rwiyo rweZiyoni.4Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?5Kana ndikakukangamwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukangamwe umhizha hwarwo.6Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.7Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro.8Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe.9Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo.