1Ndichakuvongai nomoyo wangu wose; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pamberi pavamwari.2Ndichanamata ndakatarira kutemberi yenyu tsvene, Nokuvonga zita renyu nokuda kounyoro bwenyu nokutendeka kwenyu; nekuti makakurisa shoko renyu kupfuura zita renyu rose.3Pazuva randakadana makandipindura, Makandisimbisa nesimba pamweya wangu.4Madzimambo ose enyika achakuvongai, Jehovha, nekuti vakanzwa mashoko omuromo wenyu.5Zvirokwazvo, vachaimba vachireva nzira dzaJehovha; nekuti kubwinya kwaJehovha kukuru.6nekuti Jehovha ari kumusoro, kunyange zvakadaro ane hanya neanozvininipisa; Asi anamanyawi Jehovha anomuziva ari kure.7Kana ndichifamba pakati penhamo, imwi muchandiponesa; Muchatambanudza ruoko rwenyu kudzivisa kutsamwa kwavavengi vangu, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandiponesa.8Jehovha achandikwanisira zvinhu zvangu. Tsitsi dzenyu, Jehovha, dzinogara nokusingaperi; Musarega mabasa amaoko enyu.