1Jehovha, imwi makandinzvera, nokundiziva.2Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.3Munopepeta kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose.4nekuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imwi Jehovha, matoriziva rose.5Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.6Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri.7Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?8Kana ndikakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhovo paSheori, tarirai muripowo.9Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa;10Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa,11Kana ndikati, Zvirokwazvo, rima richandifukidza, Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku;12Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana.13nekuti imwi makaumba itsvo dzangu; Makandiruka mudumbu ramai vangu.14Ndichakuvongai; nekuti ndakaitwa nomutowo unotyisa unoshamisa; Mabasa enyu anoshamisa; Mweya wangu unozviziva kwazvo.15mafupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi.16Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa,Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu,zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo.17Mirangariro yenyu, Mwari, inodikamwa sei neni! Yakakura sei pakuverengwa kwayo!18Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.19Dai muchiuraya henyu vakaipa, Mwari; Naizvozvo ibvai kwandiri, imwi vanhu veropa.20nekuti vanokutaurirai zvakaipa, Vavengi venyu vanoreva zita renyu pasina.21Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handine shungu here navanokumukirai?22Ndinovavenga nembengo huru; Vava vavengi vangu.23Ndinzverei, Mwari, muzive moyo wangu; Ndiidzei, muzive ndangariro dzangu;24Mutarire kana panenzira yakaipa mandiri, Mundifambise munzira isingaperi.