Shona

Psalms

140

1Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha;2Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa.3Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu bwechiva huri pasi pemiromo yavo.4Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu.5Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe.6Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu.7Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa.8Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza.9Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze.10Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve.11Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze.12Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi.13Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu.