1Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai inzwi rangu kana ndichidana kwamuri.2Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuhwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana.3Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu.4Regai kurerekesa moyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama.5Akarurama ngaandirove netsitsi; andituke; ave mafuta pamusoro wangu, musoro wangu haungaarambi; nekuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo.6Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka.7Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mafupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori.8nekuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu.9Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama.10Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.