Shona

Psalms

146

1Hareruya! Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu!2Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.3Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.4Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera.5Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakove ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.6Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;7Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa;8Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama;9Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.10Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Ziyoni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!