1Hareruya. nekuti zvakanaka kuti Mwari wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza; Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.2Jehovha anovaka Jerusaremu; Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.3Anoporesa vane moyo yakaputsika, Anosunga mavanga avo.4Anotara kuwanda kwenyeredzi; Anodzipa dzose mazita adzo.5Ishe wedu mukuru, anesimba guru; Njere dzake hadziperi.6Jehovha anobatsira vanyoro;7Imbirai Jehovha muchimuvonga, Imbirai Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira;8Iye anofukidza denga namakore, Anogadzirira pasi mvura, Anomeresa uswa pamakomo.9Anopa zvipfuwo zvokudya zvazvo, Navana vamakunguvo, anochema.10Haafadzwi nesimba rebhiza; Haafariri makumbo omurume.11Jehovha anofara navanomutya, Navanotarira tsitsi dzake.12Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.13nekuti wakasimbisa mazariro amasuwo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako.14Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.15Anotuma mirairo yake panyika; Shoko rake rinomhanya kwazvo.16Anopa vanhu chando samakushe amakwai, anoparadzira chando samadota.17Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu; Ndianiko angamira pachando chake?18Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa; Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.19Anozivisa Jakove shoko rake, Nalsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.20Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo; Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva. Hareruya!