Shona

Psalms

148

1Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imwi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro.2Murumbidzei imwi vatumwa vake vose; Murumbidzei imwi hondo dzake dzose.3Murumbidzei imwi zuva Murumbidzei imwi nyeredzi dzose dzinovhenekera.4Murumbidzei imwi kudenga kokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kokudenga-denga.5Ngazvirumbidze zita raJehovha; nekuti iye akaraira, zvikasikwa.6Akazvisimbisawo nokusingaperi-peri; Akatema chirevo chisingafaniri kudarikwa.7Rumbidzai Jehovha imwi vapasi, imwi zvikara zvegungwa, nezviri makadzika;8Moto nechimvuramabwe, chando noutsi; Dutu guru, rinoita zvaakareva;9Makomo nezvikomo zvose; Miti inobereka nemisidhari yose;10Mhuka, nezvipfuwo zvose; Zvinokambaira neshiri dzinobhururuka;11Madzimambo apasi nendudzi dzose dzavanhu; Machinda navatongi vose vapasi;12Majaya nemhandara; Vatana navana;13Ngavarumbidze zita raJehovha; nekuti zita rake roga rakakurumbira; Umambo hwake huri kumusoro kwapasi nokudenga.14Akasimudza runyanga rwavanhu vake, Kuti arumbidzwe navatsvene vake vose; Naivo vana vaIsiraeri, ivo vanhu vari pedo naye. Hareruya!