1Jehovha, ndianiko angatsaukira mutende renyu? Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene?2Uyo, anofamba asina mhosva, anoita zvakarurama, Anotaura chokwadi mumoyo make.3Iye asina makuhwa parurimi rwake, Asingaitiri shamwari yake zvakaipa, Asingatuki waagere naye.4Munhu akashata unorambwa naye; Asi anokudza vanotya Jehovha. Iye anoti kana achinge apika, haangazoshanduri shoko rake, kunyange zvikava zvakaipa kwaari.5Iye asingarevi mhindu pamari yake, Kana kugamuchira chipo pamusoro pausina mhosva. Munhu anoita zvinhu izvozvi haangatongozununguswi.