1Ndichengetei, Mwari, nekuti ndinovimba nemi.2Ndakati kuna Jehovha, Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.3Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru.4Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu.5Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu.6Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka.7Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku.8Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi.9Naizvozvo moyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguvo ichagara yakachengetwa.10Nekuti hamungasii mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.11Mundiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi.