Shona

Psalms

17

1Inzwai zvakarurama Jehovha, muteerere kuchema kwangu; Rerekerai nzeve dzenyu kumunyengetero wangu, unobva pamiromo isinganyengeri.2Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu; Meso enyu ngaatarire zvakarurama.3Makaidza moyo wangu; makandishanyira usiku; Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.4Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu, Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.5Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.6Ini ndakadana kwamuri, nekuti muchandipindura, imwi Mwari; Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwangu.7Ratidzai nokushamisa rudo rwenyu rweunyoro, imwi, munoponesa vanovimba nemi, imwi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, ava vanovimba nemwi Kuna vanovamukira simba.8Ndichengetei semboni, mukunda weziso; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,9Kunavakaipa, vanondiparadza, Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.10Vakadzivira moyo yavo;11Vanotaura vachikudza nemiromo yavo. Vakatikomba zvino pakufamba kwedu; Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.12Vakafanana neshumba inokarira kuparadza, somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.13Simukai, Jehovha, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;14Kuvanhu, noruoko rwenyu imwi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiira vacheche vavo zvakasara zvefuma yavo.15Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.