1Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.2Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.3Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.4Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.5Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira.6Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake.7Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nekuti akanga akatsamwa.8Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.9Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.10Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo.11Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga.12Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto.13Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusoro-soro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.14Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa.15Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema komweya wemhino dzenyu.16Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji.17Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nekuti vakanga vondikurira.18Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.19Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nekuti akanga achindifarira.20Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.21Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.22Nekuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema.23Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu.24Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.25Ane tsitsi munomuitirawo netsitsi, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;26Akanaka munomuitirawo zvakanaka, nowakatsauka, munomuitirawo nehasha.27Nekuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza.28Nekuti imwi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.29Nekuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.30Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye.31Nekuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?32Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu.33Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira.34Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anobwembura uta bwendarira.35Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro bwenyu hwakandiita mukuru.36Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.37Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa.38Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu.39Nekuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.40Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.41Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.42Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha.43Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.44Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri.45Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.46Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe.47Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu.48Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza.49Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.50Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.