1Matenga anoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.2Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.3Hapana kutaura, kana mashoko; inzwi razvo harinzwiki.4Rwonzi rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.5Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.6Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.7Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechechokwadi, chinopa vasina mano njere.8Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.9Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi, zvakarurama kwazvo kwazvo.10Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.11Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva?12Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndisunungurei imwi pazvitadzo zvakavanzika.13Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru.14Mashoko omuromo wangu nokurangarira komoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imwi Jehovha, dombo rangu, nomudzikunuri wangu.