Shona

Psalms

25

1Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri.2Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda.3Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu.4Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu.5Ndiperekedzei muchokwadi yenyu, mundidzidzise; nekuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose.6Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro bwenyu, nekuti zvaivapo kare nakare.7Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro bwenyu, Nokuda kokunaka kwenyu,8Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira.9Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake.10Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nechokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake.11Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kangamwirai zvakaipa zvangu, nekuti zvikuru.12Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura.13Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika.14Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.15Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nekuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure.16Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha, nekuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.17matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu.18Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikangamwire zvivi zvangu zvose.19Tarirai vavengi vangu, nekuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo.20Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nekuti ndinovimba nemi.21Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nekuti ndinokumirirai.22dzikunurai Isiraeri, imwi Mwari, Panjodzi dzake dzose.