Shona

Psalms

24

1Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo; Nyika yose navageremo.2nekuti wakaiteya pamusoro pamakungwa, Nokuisimbisa pamusoro penzizi.3Ndiani angakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene?4Uyo anamaoko akachena, nomoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri moyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema.5Iye achapiwa mukomborero naJehovha, Nokururamiswa naMwari muponesi wake.6Urwu ndirwo rudzi rwavanomutsvaka, Vanotsvaka chiso chenyu, kunyange Jakove.7Simudzai misoro yenyu, imwi masuwo; Musimudzwe imi, magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde.8Ndianiko iye Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Iye Jehovha anoumhare pakurwa.9Simudzai misoro yenyu, imwi masuwo; Muisimudze, imwi magonhi akare-kare; Kuti Mambo wokubwinya apinde.10Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Jehovha wehondo, Ndiye Mambo wokubwinya.