Shona

Psalms

23

1Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa.2Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza.3Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake.4Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nekuti imwi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.5Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka.6Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.