1Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha, nekuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nekuda kwangu.2Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imwi mukandiponesa.3Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba.4Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imwi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene.5nekuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi tsitsi dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.6Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, Handingatongozununguswi.7Imwi Jehovha, netsitsi dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.8Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha;9Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira chokwadi chenyu here?10Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.11Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro;12Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.