Shona

Psalms

31

1Jehovha, ndinovimba nemi; ngandirege kutongonyadziswa; Ndirwirei pakururama kwenyu.2Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; Ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa.3nekuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; Naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu.4Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; nekuti ndimi nhare yangu.5Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; Makandidzikunura Jehovha, imwi Mwari wechokwadi.6Ndinovenga vanokudza zvenhema zvisina maturo; Asi ndichavimba naJehovha.7Ndichafara nokufarisisa netsitsi dzenyu; nekuti makaona kutambudzika kwangu; Makaziva kumanikidzwa komweya wangu;8Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi; Makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.9Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nekuti ndiri panjodzi; Ziso rangu rapera nokuchema, zvirokwazvo, nomweya wangu nomuviri wanguvo.10nekuti hupenyu hwangu hwapera nokuchema, namakore angu nokugomera; Simba rangu rapera nokuda kokutadza kwangu, uye mafupa angu asakara.11Ndava chinhu chinozvidzwa nemhaka yavadzivisi vangu vose, Zvirokwazvo, zvikuru kuna vandinogara navo, nechinotyisa kuvazikani vangu; Vakandiona kunze vakanditiza.12Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika.13Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu.14Asi ndakavimba nemwi Jehovha; Ndakati, Ndimi Mwari wangu.15Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza.16Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro bwenyu.17Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nekuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori.18Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!19Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu;20Muchavachengeta pakavanda patende vabve pabangano romunhu.21Jehovha ngaavongwe, nekuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimbiswa.22Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, Ndabviswa pamberi penyu; Kunyange zvakadaro, makanzwa inzwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri.23Idai Jehovha, imwi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza.24Ivai nesimba, uye moyo yenyu itsunge, imwi mose munorindira Jehovha.