Shona

Psalms

32

1Wakakomborerwa uyo kudarika kwake kwakakangamwirwa, akafukidzirwa zvivi zvake2Akakomborerwa munhu asingaverengerwi zvakaipa naJehovha; asina kunyengera pamweya wake.3Panguva yandakaramba ndinyerere, mafupa angu akasakara nokuvovora kwangu zuva rose.4nekuti ruoko rwenyu rwakanga rwuchirema pamusoro pangu masikati novusiku; Unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo.5Ndakakuzivisai chakaipa changu, handina kuvanza chakaipa changu; Ndakati,ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha; Imwi makandikangamwira kuipa kwechivi changu.6Saka vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa, zvirokwazvo kana mvura ichikukura, hasvikiri kwaari.7Ndimi chivando changu; muchandichengeta ndirege kupinda pakutambudzika. Muchandikomberedza nenziyo dzokurwira.8Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako.9Regai kuva sebhiza, kana sehesera zvisinganzwisisi. Zvinofanira kufambiswa nerwauro netomu namakashu azvo, Hazvingazodi kuswedera kwauri.10Akaipa achava nenjodzi zhinji; Asi anovimba naJehovha achakombwa netsitsi.11Farai muna Jehovha, mufarisise, imwi makarurama;Pururudzai nomufaro, imimakachena pamoyo.