Shona

Psalms

33

1Farisai munaJehovha, imwi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama.2Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeramwa une hungiso dzine gumi.3Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.4nekuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka.5Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha.6Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema komuromo wake.7Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.8Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.9nekuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba.10Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.11Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose.12Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.13Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu;14Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika.15Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose16Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru.17Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru.18Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake;19Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara.20Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.21Nekuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene.22Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai.