Shona

Psalms

34

1Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; Rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.2Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; Vanyoro vachazvinzwa, vakafara.3Kudzai Jehovha pamwechete neni, Ngatikudzise zita rake pamwechete.4Ndakatsvaka Jehovha, akandipindura, Akandisunungura pakutya kwangu kose.5Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nomufaro; Zviso zvavo hazvingatongonyadziswi.6Murombo uyu akachema, Jehovha akamunzwa, Akamuponesa panjodzi dzake dzose.7Mutumwa waJehovha anokomberedza vanomutya, Nokuvarwira.8Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka; Wakakomborerwa munhu anovimba naye.9Ityai Jehovha, imwi vatsvene vake; nekuti vanomutya havana chavanoshaiwa.10Vana veshumba vanoshaiwa, vanofa nenzara; Asi vanotsvaka Jehovha havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.11Uyai imwi vana, munditeerere; Ndichakudzidzisai kutya Jehovha.12Ndoupi munhu anoda upenyu, Anoda mazuva mazhinji, kuti aone zvakanaka?13Dzora rurimi rwako pakutaura zvakaipa, nemiromo yako, urege kutaura zvinonyengera.14Ibva pane zvakaipa uite zvakanaka; Tsvaka rugare, urutevere.15Meso aJehovha anotarira vakarurama, Uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.16Chiso chaJehovha chinovenga vanoita zvakaipa, Kuti abvise chiyeudziro chavo panyika.17Vakarurama vakadana, Jehovha akanzwa, Akavarwira panjodzi dzavo dzose.18Jehovha ari pedo nevane moyo yakaputsika, Anoponesa vane mweya yakapwanyika.19Akarurama anamatambudziko mazhinji; Asi Jehovha anomurwira abude paari ose.20Anochengeta mafupa ake ose; Hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.21Zvakaipa zvichauraya akaipa; Uye vanovenga vakarurama vachapiwa mhosva.22Jehovha anodzikunura mweya yavaranda vake; Hapana nomumwe kuna vanovimba naye achapiwa mhosva.