1Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni.2Torai nhovo huru neduku, Musimuke kundibatsira.3Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, Ndini muponesi wako.4Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe.5Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira.6Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera.7nekuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza.8Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe.9Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake.10mafupa angu ose achati, Jehovha ndianiko akafanana nemi, imwi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panowanomupamba?11Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi12Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu.13Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichitsanya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu.14Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake.15Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakarashwa kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi;16Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo.17Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira rinhiko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikamwa wangu pashumba.18Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.19Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso.20Nekuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera.21Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, Hekani, hekani! Meso edu akazviona.22Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni.23Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu.24Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu.25Ngavarege kuti mumoyo mavo, Hekani, ndizvo zvatanga tichida; Ngavarege kuti, Tamumedza.26Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu.27Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara komuranda wake.28Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.